Gadziriro dzedopiro reTraditonal Organic Food Festival dzavapachidanho chepamusoro, dopiro iri richaitirwa kunzvimbo yeBotanical Gardens muguta reHarare svondo rino kubva musiwe Chishanu 30 Gunyana , kusvika musiwe mugovera 1 Gumiguru .
Owami Sithole
Izvi zvakataurwa naCaroline Jacquet anova Project manager wesangano rarakazvimirira reBio Innovation Zimbabwe vanova vamwe vevarikuronga chiitiko ichi , akati dopiro iri rine donzvo rekuvandudza kudyiwa kwechikafu chinovaka muviri zvakare nekudzoreredza nekusimudzira zvirimwa zvepasichigare zvisingazivikanwe nevechidiki.
“Chirongwa ichi chichabatsira kunyanya vechidiki vazive kukosha kwakaita zvirimwa zvidiki , zvakafanana neipwa , mapfunde , zviyo , magaka, nyimo , nzungu nezvimewo ,” akadaro Jacquet .
Akataura zvakare achiti unovawo mukana kune masmall holder famers, mukupana ruzivo nemazano mukuvandudza kurimwa kwezvirirwas zvidiki munyika.
“Varimi vachava nemukana wekuratidza zvirimwa kubva kumapurovhinzi masere emunyika , zvakare vachitsangurira veruzhinji , zvakanankira zvirimwa zvidiki, ”akadaro Jacquet .
Akenderera mberi achiti donzvo ravo nderekuti vechidiki vazive zvikafu zvinehutano , zvakare zvinovaka muviri.
“Vechidiki vanofanirwa kuuya vabve vaineruzivo rwekukosha kwakaita sekudya sadza rezviyo kana mapfunde , kana mufushwa une dovi , inovz nzira yekuchengetedza hutano kubva kuzvirwere zvakasiyana siyana ,” akadaro Jacquet .