fbpx
Friday, March 29, 2024
HomeNewsGadziriro dzedopiro reTraditonal Organic Food Festival dzavapachidanho chepamusoro

Gadziriro dzedopiro reTraditonal Organic Food Festival dzavapachidanho chepamusoro

Gadziriro dzedopiro reTraditonal Organic Food Festival dzavapachidanho chepamusoro, dopiro iri richaitirwa kunzvimbo yeBotanical Gardens muguta reHarare  svondo rino kubva musiwe Chishanu 30 Gunyana , kusvika musiwe mugovera 1 Gumiguru .

Owami Sithole 

Izvi zvakataurwa naCaroline Jacquet anova Project manager wesangano rarakazvimirira reBio Innovation Zimbabwe  vanova vamwe vevarikuronga chiitiko ichi , akati dopiro iri rine donzvo rekuvandudza  kudyiwa kwechikafu chinovaka muviri  zvakare nekudzoreredza nekusimudzira  zvirimwa zvepasichigare zvisingazivikanwe  nevechidiki.

“Chirongwa ichi chichabatsira  kunyanya vechidiki vazive kukosha kwakaita zvirimwa zvidiki ,  zvakafanana neipwa , mapfunde , zviyo , magaka, nyimo , nzungu  nezvimewo ,” akadaro Jacquet .

Emirates

Akataura zvakare achiti unovawo mukana kune masmall holder famers, mukupana ruzivo nemazano  mukuvandudza kurimwa kwezvirirwas zvidiki munyika.

“Varimi vachava nemukana wekuratidza zvirimwa kubva kumapurovhinzi  masere  emunyika , zvakare vachitsangurira veruzhinji , zvakanankira zvirimwa zvidiki, ”akadaro Jacquet .

Akenderera mberi achiti donzvo ravo nderekuti vechidiki vazive  zvikafu zvinehutano , zvakare zvinovaka muviri.

“Vechidiki vanofanirwa kuuya vabve vaineruzivo rwekukosha kwakaita sekudya sadza rezviyo kana mapfunde , kana mufushwa une dovi , inovz nzira yekuchengetedza hutano kubva kuzvirwere zvakasiyana siyana ,” akadaro  Jacquet .

Share this article

No comments

Sorry, the comment form is closed at this time.

You cannot copy content of this page